Proverbs 14

1Mukadzi akachenjera anovaka imba yake,
asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro.
2Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha,
asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza.

3Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro,
asi miromo yavakachenjera inovadzivirira.

4Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu,
asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru.

5Chapupu chechokwadi hachinyengeri,
asi chapupu chenhema chinodurura nhema.

6Mudadi anotsvaka uchenjeri asi anohushaya,
asi ruzivo runouya zviri nyore kune anonzvera.

7Gara kure nomunhu benzi,
nokuti haungawani ruzivo kubva pamiromo yake.

8Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira dzake,
asi upenzi hwamapenzi ndihwo unyengeri.

9Mapenzi anoseka kutendeuka pazvivi,
asi kuita zvakanaka kunowanikwa pakati pavakarurama.

10Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo,
uye hapana munhu angagoverana nawo mufaro wawo.

11Imba yeakaipa ichaparadzwa,
asi tende rowakarurama richabudirira.

12Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu,
asi kumagumo inotungamirira kurufu.

13Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa,
uye mufaro ungangoperera mukusuwa.

14Vasingatendi vachapiwa mubayiro wakazara wenzira dzavo,
uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo.

15Munhu asina mano anongotenda zvose zvose,
asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake.

16Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa,
asi benzi rina manyawi uye harina hanya.

17Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi,
uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa.

18Vasina mano vachagara nhaka youpenzi,
asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo.

19Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka,
uye vakaipa pamasuo avakarurama.

20Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo,
asi vapfumi vane shamwari zhinji.

21Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza,
asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa.

22Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here?
Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka.

23Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro,
asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi.

24Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo,
asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi.

25Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu,
asi chapupu chenhema chinonyengera.

26Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba,
uye ichava utiziro kuvana vake.

27Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu,
kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu.

28Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo,
asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa.

29Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa,
asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.

30Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri,
asi ruchiva runoodza mapfupa.

31Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo,
asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari.

32Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi,
asi kunyange murufu akarurama ane utiziro.

33Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera
uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.

34Kururama kunosimudzira rudzi,
asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo.

35Mambo anofarira muranda akachenjera,
asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye.
Copyright information for SnaBDSC